
Hurumende yati hapana shanduko iripo pachirongwa chebvunzo dzeveruzhinji cheZimbabwe School Examinations Council (Zimsec), asi icharamba ichiongorora mamiriro ezvinhu muzvikoro nekuda kwekukanganiswa kunokonzerwa nedenda reCOVID-19.
Mutauriri webazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Taungana Ndoro nezuro akati: “Tichazivisa munguva inotevera kana tambogara pasi kana pakazove neshanduko”.
Vadzidzisi vanga vachikurudzira kuti bvunzo idzi dzimbomiswa gore rino vachipokana kuti vadzidzi vanga vasina kugadzirira bvunzo idzi mushure mekunge vapedzisa zvidzidzo zvavo muna Chikumi.
Vadzidzisi vakati zvakare havagone kudzidzisa sezvo vasiri kutambira mihoro yakafanira.
Maererano nekarenda reZimsec, bvunzo dzinotarisirwa kutanga kupera kwemwedzi unouya. Vadzidzi vave nemwedzi mina chete vari kuchikoro kubva muna Ndira nekuda kwekukanganiswa nedenda reCOVID-19.
Mutauriri weZimsec, VaNicky Dlamini, vanotiwo vakamirira bazi rezvedzidzo kuti ripe gwaro munzira yekuenda mberi.
“Takamirira bazi kuti ripe gwara kana syllabus rinoenderana nekudzidza kwakaita vana. Parizvino hapana shanduko pane nguva yekunyora, ” akadaro Dlamini.