
Mashoko arikutenderera achibva nekunyika yeku China zviriku VP Chiwenga avo vane makore 64 vakaperekedzwa kuenda kuChina nevamwe vavo machindarume maviri, ivo vaChiwenga vachinorapiwa “throat problem”.
Vachangoburuka ndege vaviri ava vakasiya vaChiwenga voendeswa kuchipatara ivo ndokubva vaenda ku-luxury Chinese Lentaleale Hotel mu-Beijing iko kwavanosvika votapurirwa chirwere che-coronavirus, Wall Street Journal inodaro ichizivisa vanhu.
Vashanyi vose vepahotera yepaLentaleale Hotel muBeijing kuChina vaiswa mu quarantine kugariswa kwavo voga kusanganisira machindarume maviri anofamba navaChiwenga vose vabatwa coronavirus.
VaChiwenga vangangodaro vapunyuka kubatwa nechirwere ichi sezvo vasina kumbonanga kuHotera iyi, vakangonanga straight kuchipatara chagara chichivarapa chirwere chavo. — NewsHawks