
Vashandi vaviri veFawcett Security Company vasungwa kuChiredzi mushure mekuwanikwa vaine zvinwiwa zvinodhaka zvakasiyana-siyana zverudzi rwemabhoringo zvinofungidzirwa kuti zvakapinda munyika kubva kuMozambique ne back door.
Ma-guard awa vasungwa pa road block nemapurisa mumugwagwa weChiredzi-Ngundu pedyo neBuffalo Range International Airport vakatakura mabhorongo avo.
Mapurisa anochengetedza mugwagwa uyu amisa mota yeFawcett ndokuwana iineshura mukati yakazara bhorongo remhando dzakasiyana dzedoro.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo, Inspector Kudakwashe Dhewa vazivisa kuti vatambira mashoko awa echiitiko ichi asi havana kukwanisa kuburitsa pachena huwandu hwebhorongo iri.
Zvisinei, masosi anoti zvinwiwa zvinodhaka izvi zvirikuratidzika kunge zvaburitswa muMozambique. — Herald