
Mumwe murume asungwa nekurova mbava kusvika yafa mushure mekumupomera mhosva yokuba mbatya dzake.
Mapurisa azivisa chiitiko ichi kubudikidza ne account yavo ye Twitter, vachiti chiitiko ichi chakaitikira kuGweru nomusi wa25 August.
Mapurisa ekuGweru akasunga Andrew Muvhimi uyo anemakore (29) nenyaya yaakaita yokuuraya mbavha musi wa25 Nyamavhuvhu pamusika wemuriwo weInsukamini. Mubaiwa uyu, Thokozani Sibanda (25), akazofa achangosvika paMakepesi Clinic mushure mekurohwa zvakaipisisa nezvibhakera nemusungwa mushure mokupomerwa mhosva yokumubira hembe dzake. — Chronicle