
Mumwe Bishop uye ari muvambi weInternational Bibleway Church mudhorobha reSizinda muBulawayo ari pakati pedutu remhirizhonga mushure mekunge arikupomerwa mhosva yokuba mari yezvirema zviviri.
Anonzi akashandisa mukana wekuremera kwezvirema izvi ndokubva aronga zano rokuumba sangano achiti vaizowana zvipo kubva kuUK nekuUnited States of America.
Jebson Shoko anobva kwaBuena Vista, arikunzi akaita kuti Zifa Moyo (57) naClaudious Shumba (43), avo vese vakaremara vanyoreswe kuZimbabwe Disabled Persons Trust (ZDPT) uko vaizowaniswa mari.
Zvinonzi Bishop akavabira inodarika US$1000 mushure mekunge avanyepera kuti aida mari yekutanga chirongwa chekuchengeta huku, kupinza tax dzemotokari dzavakatumirwa kubva kuAmerica nevanopa nemari yekunyoresa sangano ravo revakaremara se Private Voluntary Organisation (PVO) kuitira kuti chero chinhu chavanotumirwa kwavari nevanopa chive chisina mutero.
Umbavha hunonzi hwakaipisisa hwaShoko hwakazobuda mushure mekunge Moyo naShumba vasvika kudare reBulawayo reSmall Claims vachimumhan’arira.
Zvirema zviviri zvirikudya marasha zvichiti Bishop Shoko vakanyangaritsa mari inosvika $1100 kuchizoti imwe zve US$400 nedzimwe mari dzisingacha tsanangurike dzisiri kuzivikanwa kuti Bishop ava vakadzifambisa sei.
Mumapepa ema affidavits ezvirema zviviri izvi, zvirikunzi hurongwa uhu hwekuunganidza mari na Bishop Shoko hwakatanga gore rapera muna January 2020, apo pavakuudzwa naBishop kuti vanofanira kuvhura organisation yevanhu vakaremara iyo inenge ichizobatsirwa nema donors uku UK neku America.
Shumba anonzi akaenda ndokuudza Moyo uyo akabva abvuma danho iri uye musi wa18 Kukadzi 2020 vatatu ava vakanyoresa organization yavo inonzi Trust, Zimbabwe Disabled People’s umo vatatu ava vari.
Zvirikunzi Organization iyi yakazoita zvirema zvakawanda izvo zvakabva zvaita kuti ma-donor uku UK neku America avape mari ichisvikira mumaoko aBishop, mari yose ndokubva yadyiwa ikapera iri mumaooko aBishop hapana kana chirema chakapihwa mari iyi. — B Metro