
Vanhu vatatu vafa mutsaona yemotokari, mumwe murume anga ariku back sit awanikwa akanyodza nyoro kumugadzi wemunhu vakatofa vose vakadaro chinova chiratidzo chokuti vaviri ava vanga vachiita bonde vari ku back sit mota ichimhanya.
Mazita evashakabvu ava ndeanoti, Batsirai Maposa, Benson Chingawo naFranny Zinyuku.
Franny Zinyuku naBatsirai Maphosa vafa variku back sit during sex mutsaona yemotokari yaitikura paWatershed College padhuze neMarondera munzira yeHarare-Mutare Highway pamwechete nemutyairi, Benson Chingawo.
Tsaona iyi haina kana kumbopa mukana vaviri ava kuti vapfeke mabhurugwa.
Pama4tos arikutenderedzwa pa WhatsApp parikuonekwa, Zinyuku ari ku back sit naMaphosa, hembe yake yakakungurutswa kwakadaro uko ari musvo, ukuo Maphosa asina bhurugwa.
Mafotos awa arikunzi atorwa nevamwe vatyairi vatanga kusvika panzvimbo yaitikira tsaona iyi.
Mapurisa ashora maitiro akadaro ndokukumbira kune avo vanova vekutanga kusvika panenge paitika tsaona vabatsire, pane kutora mifananidzo vachigovana pasocial media.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vatsigira tsaona iyi, vachitiwo kuferefetwa kuri kuitwa.
— Manica Post