
MATATUU (tattoo) ayo akanga ari paruoko akaita kuti murume ainge abata chibharo mwana ane makore 12 ekuberekwa apo aive akamubatira banga mushure mezvo kwava kumubira mbatya dzake, azivikanwe uye ndokusungwa nemapurisa.
Mutauriri wemapurisa kwaRusape, Assistant Inspector Clean Muzondiwa, vanotsinhira nezvekusungwa kwaSteven Marange (27) uye akatomiswa mudare redzimhosva nemusi weChina.
Asst Insp Muzondiwa vanoti Marange akasungwa mushure mukutsvagwa zvakasimba papurazi reSanjika Farm. Mwana uyu anonzi akaziva mupari wemhosva nekuda kwematatuu ari pamaoko ake uye kuziva chiso chake zvakare.
Nyaya iyi yakaitika svondo radarika nemusi weChishanu apo mwana uyu akanga ari oga pamba vabereki vake vari kubindu.
Zvinonzi Marange akaenda kwaive nemwana uyu achibva abvunza kuti vabereki vake vakanga vaenda kupi, mushure ndokuzomukumbira mvura yekunwa.
Mwana uyu anonzi akachera mvura mumugodhi wepamba apa ndokumutambidza.
“Mushure mekumutambidza mvura, mwana uyu akabva aenderera mberi nekuita mabasa epamba. Marange anonzi akabva amutevera ndokumubata chibharo apo ainge akamunongedzera banga raive neropa achiti anoda kumuuraya,” vanodaro.
Mushure mekubata mwana uyu chibharo, Marange anonzi akabva aba shangu dzake dzekuchikoro uye mbatya dzaiva muwadhiropu nedzimwe dzakanga dziine tsvina dzamirira kuwachwa.
Anonzi akaisa zvinhu zvaainge aba mubhegi rake nerimwe raakaba mumba imomo.
Marange anonzi akasiya shangu dzake pamba apa achibva apfeka dzababa vepamusha uyu.
Mwana uyu anonzi akazomhanya kunoudza vavakidzani nyaya iyi vachibva vamhanyawo kunoudza vabereki vake avo vakanga vari kubindu.
“Baba vemwana uyu nevamwe vanhu vemunharaunda vakatanga kutsvaga murume uyu vachibva vamubata ari paSanjika Farm ndokumuendesa kumapurisa ekuHeadlands,” vanodaro Asst Insp Clean.