
Pa-video riri pano tirikuona vagari vemuLagos vavharirwa panze pebhanga remunzvimbo iyi. Izvi zvinotevera mushure mekunge vagari vemunzvimbo iyi varatidzira vachipikisa zvakataurwa nevakuru vemabhanga zvekuti mari yekare ichatanga kusashanda musi wa10 Kukadzi gore rino.
Mazuva mashoma apfuura takaonawo vagari vemunzvimbo yeLagos iyi vachipaza magedhi epabhanga vachipinda zvenharo mubhanga iri. Izvi zvakazotuma vashandi vepamabhanga kuti vaise ma-razor wire kudzivisa vanhu ava kuti vapinde mubhanga.
Hona video riri pano apo vagari vemunzvimbo yeLagos vakagarira kunze kwebhanga iri.
By Tete Jolah Msalad