
MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vari kuferefeta nyaya yechinhu chakaputika zvine simba chikakuvadza vanhu vana pamwe nekudhiritsa imba kuDema, kwaSeke, kuMashonaland East nemusi weChipiri svondo rino.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kune kuputika kwakaitika kuine mutinhimhira husiku hwemusi wa3 Nyamavhuvhu pane imwe imba kwaSeke.
“Tine nyaya yatiri kuongorora yechinhu chakaputika nemusi wa3 Nyamavhuvhu murukisheni rweSvinurai Phase 2, kuDema Growth Point, kwaSeke icho chatisati tave kuziva kuti ringava bhambu here kana kuti chimwewo chinhu. Tsaona iyi yakaitika husiku kukava nekundengendeka munharaunda iyi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.
Tsaona iyi inonzi yakaitika pamba paMai Cecillia Gundani (35) avo vaiva nevana vavo vatatu mumba panguva iyi.
Mai Gundani pamwe nevana vavo vanonzi vakakuvara nekuda kwekuputika uku.
“Chinhu chakaputika ichi chakasiya chachera gomba mukati memba iyi, zvimvarimvari zvekuputika kwechinhu ichi zvikapwanya mahwindo emba nemimwe midziyo. Vana vatatu vaivamo vakachekwa maoko nemuviri nezvaibarika uyewo Mai Cecillia Gundani vanoti vari kurwadziwawo nemuviri wose,” vanodaro.
Asst Comm Nyathi vanoenderera mberi vachiti, “Zvakawanda munyaya iyi zviri kutevera sezvo nyanzvi dzinoona nezvezvombo zvinoputika vari mubishi kuita basa ravo vachitsvaga kuti zvakambofamba sei.”