
Mukadzi anobva kuMberengwa akauraiwa nemwana wake uyo anofungidzirwa kuti anorwara nepfungwa.
Mupurisa weMidlands Emmanurl Mahoko vanoti mapurisa arikufefetera nyaya iyi yemukadzi ane makore (50) akauraiwa mushure mekunetsana nemwanakomana wake.
Izvi zvakaitika kunharaunda yasabhuku Tasaranago kuMberengwa.
Musiwa (24) August manheru na9 pm, Timothy Zhou (24) pamwechete nevabereki vake vakaenda kunorara, pakati pehusiku Timothy Zhou akatora machira ake akaenda kunorara mubindu uye pane 1km kubva kumba kwavo. Musiwa 25 August, amai vaZhou vakaenda kubindu kwavakano rohwa nechinhu chinocheka, Vaka chema vachitsvaga rubatsiro uye murume wavo Phillip Zhou ane makore (63) vakamhanya nevamwe vagari vemunharaunda iyi, vachisvika vakaona mwanakomana achiviga chitunha mugomba. Timothy Zhou akatiza uye achiri kutsvagwa.
Chiitiko ichi chakamhan’arwa kumapurisa uye mutumbi wakaendeswa kuZvishavane Hospital Mortuary kunoitwa post mortem.