
Makadii hama dzangu tinemwana ane 4 years haafambi haagari haatauri dambudziko guru nderekuti after every time about 45 minutes anochema achimonyoroka kuratidza kurwadziwa ndipo poga panobuda voice rake.
Rimwe-zve Dambudziko guru riri pamwana wangu uyu nderekugwinha. Ava ne4 years. Kugwinha uku akazvitanga achangozvarwa but zvakambopera zvikadzoka futi ava nesix months.
So akapiwa ma epilim liquid nephenobarbitone kuchipatara kuSouth Africa. Akapedzisira ava kungogwinha kunyangwe amwa mushonga wacho. Now haagoni kutaura, kugara, kubata zvinhu nemoko ake uye rimwe gumbo rake rinotsika nezvigumwe.
Ndinemishonga yandakanzi nditenge na Doctor, zvino mari handina ndirikukumbira mhuri yeZimbabwe kuti mutambanudze pashoma pamuinapo ndiwane mari yekurapisa mwana wangu.
Number dze EcoCash
0773515149
Denford Cheure
Vanoda kuuya kuzoona mwana munokwanisa kuuya kuBondolfi chief Charumbira Chirobe village ndiko kwatinogara.