
EWN.news
Bato reDemocratic Alliance, DA, rinoti huwori nekusashanda zvakanaka kwehurongwa uhu, zviri kuita kuti zviomere zvizvarwa zvekunze zviri kuedza kutora magwaro ari pamutemo.
Bato iri musi weChitatu rakatsanangura parimire panyaya yexenophobia muSouth Africa.
Bato reDA rakati kupa mhosva hakuna zvakunobatsira kugadzirisa dambudziko rekurwiswa kwezvizvarwa zvekune dzimwe nyika.
Mukuru anoona nezvemitemo muDA, Gwen Ngwenya: “Institute for Security Studies yakaona kuti ruzhinji rwemhosva dzemhirizhonga muSouth Africa dzinoparwa nezvizvarwa zvekuSouth Africa kwete vekune dzimwe nyika kana vasina magwaro.”
Bato iri rinoti hurumende haifaniri kupomera zvizvarwa zvekune dzimwe nyika mhosva yekushaya mabasa asi kuti iri kupomera hurumende mhosva yekutadza kutungamira zvakanaka pamwe nehuori.
Masvondo mashoma adarika pave nekurwiswa kuri kuitwa zvizvarwa zvekune dzimwe nyika neDudula Movement munzvimbo dzakasiyana muGauteng, nguva pfupi yadarika pedyo nePan-African Shopping Centre muAlexandra.
Dudula Movement isangano rinoona nezvezvizvarwa zvedzimwe nyika richivapomera mhosva yekutora mabasa kubva kune zvizvarwa zveko. Zvimwe zvezviito zvayo hazvisi pamutemo.