
The NewsHawks
Bato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, rinoti hutungamiriri hwaro huri munjodzi, mutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, vanoti pane zvakawanda zvaedza kuvauraya.
Nemusi weChina, vanhu vasingazivikanwe vakarwisa imba yemutecedzeri wemukuru weCCC, VaTendai Biti, vakarova amai vavo pamwe nemuchengetedzi wavo, vachivakuvadza zvakaipisisa.
Kungoti isu hatitaure zvakawanda. Vaipembera kuti takamuisira muchetura ari kuBotswana, ini handiwanzodya asi zvinokuratidzai vanhu vakaipa vanotenda mukubvisa zvinhu.
Taudza vatungamiriri vedu vese, macandidates edu ose kuti ndapota idyai zvine hungwaru, zvinofadza kuva neappetite asi kudzora havi yako. Ngwarira, hazvisi zvese zvikafu zvisina muchetura, tiri munzvimbo ine ngozi. Chenjera nezve mota dzenyu, nezuro manheru vakaisa parutivi mota yedu.
VaChamisa vakaudza bepanhau reNewsHawks svondo rino kuti nyika yakauraya mushakabvu Morgan Tsvangirai avo vakafa nechirwere chegomarara musi wa14 Kukadzi 2018