
Pakaitika dhirama pachipatara chiri kuOklahom, US apo murume akasungwa zvaasina kunzwisisa nemapurisa mushure mokuenda nomukadzi wake kunosununguka.
Murume uyu aive aunza gerofurendi yake yemakore 12 kuzosununguka. Mapurisa akaona mwana uyu achiri mudiki izvo zvakaita kuti murume uyu asungwe.
Maererano neTV staion Fox 23, mapurisa akasunga murume uyu nokuda kwekubata chibharo apo musikana uyu anozvara mwana akasvika ane utano muchipatara umu.
Mapurisa anoti murume uyu akabudikiria musi weChitatu, 14 July kuHillcrest Hospital achitarisira kuzova baba izvo kwani akazoguma ave mujeri.
Mhuri yose yaive ichigutsikana nezvaitora nzvimbo kusanganisira nomusikana wacho.Pavakatosvika pachipatara vaitofamba sababa naamai vachitarisira kuzvarwa kwemwana voenda kumba kwavo, anodaro Mapurisa.
MaDhokotera ndiwo akatozosimudza mhepo pavakaona makore aamai vemwana izvo zvakatungamira mukusungwa kwababa.