
Baba vekuMilton park avo vane nyaya yatakabuditsa kuJolas News zvichinzi vakarohwa nemwanakomana wavo zvakaipisisa, nhasi vabata Mkoma Jola vachitaura zvakaitika.
Nyaya yakaziviswa pama platforms eSocial Media akasiyana siyana zvichinzi baba ava vakarohwa nemwana wavo, vachitaura neJolas’ news vanoti ivo havana kurohwa.
Vachitaura vanoti, “ndakamhan’ara kuMilton Park Police Station nezvemwanakomana wangu uyo aituka ini naamai vake. Mwana uyu haadi kutsiurwa saka anobva aita mhirizhonga uye kutuka. ndozvakaitika musi weMugovera iwoyo mushure mekunge asvibisa stove. Aindituka zvinyadzi achivaudza kuti ndichazviona uye ndichazvidemba. Ahaana kundirova akandituka zvinorwadza