
Murume ane makore 49 ekuberekwa wekuMbembesi, kudunhu reMatabeleland North, ari kupomerwa mhosva yekubata chibharo mwanasikana wemudzimai wake ane makore 15 okuberekwa kudzimara abata pamuviri.
Mhosva iyi inonzi yakaparwa kubva muna2018 kusvika munaMbudzi gore rapera.
Pane imwe nguva, murume uyu – uyo watisingakwanise kuburitsa zita rake nechinangwa chekuchengetedza mwana – anonzi akambozama kubata chibharo mwanasikana uyu apo aive akurirwa nepamuviri nepaakange achangobva kusununguka