
Mukomana ane makore gumi nematatu ekuberekwa wekuMaphisa, kudunhu reMatobo kuMatabeleland South akawanikwa akarembera pabazi remuti mushure mekushaikwa kwemazuva mashanu.
Busisa Lunga akabva pamba musi waApril 11 nguva dza4pm kuti atore madhongi kuMsetshane kumafuro asi haana kuzodzoka kumba.
Babamunini vake, vaaigara navo, vakazivisa vamwe vemumusha mangwana acho pavakaona kuti Busisa haana kudzoka kumba.
Mutauriri weMatabeleland South Provincial Inspector Loveness Mangena vanotsinhira chiitiko ichi chakasiya vagari vemumusha vachikatyamadzwa.