
Zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri kusaremekedza nzira dzehutano dzekudzivirira denda re Covid-19, kusanganisira kuungana kwevanhu uye kusapfeka ma mask.
Sekureva kwePoverty and Social Impact yeCovid-19 Third Round Rapid PICES ongororo yakaitwa neZimbabwe National Statistics Agency, parizvino zvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana zvevanhu vemuZimbabwe vari kuungana zvisina tsarukano.
Ongororo iyi yakaratidza kuti 79 percent yeevanhu vemuZimbabwe vari kutevedza mutemo wokugeza maoko nguva dzose, kuchizoti 87 percent yevanhu isiri kutevedzera mutemo uyu zvachose.
Ongororo yakaitwa irikuti vanhu varikutevedzera mutemo wekudzivirirwa kwedenda iri varikudzika pasi.
Denda reCovid-19 ririkuenderera mberi richivhiringidza zvinhu munyika izvo zvasiya vana ve kuchikoro vagara mudzimba. — The Sunday Mail