
N’anga yechikadzi inonzi Malepona irikuti panematsotsi arikuda kuirwisa kuti akwanise kumutorera nyoka yake sezvo akaramba kuitengesa nokuti ndiyo yaanoshandisa pakurapa vanhu.
Iye zvino Malepona anoda kuti Mzansi imuone aine nyoka yake uye aratidze kuti chikara chake hchisi kutengeswa.
“Ini handishande zvokudaro zvokusvika pakutengesa nyoka yangu. Kana ndikatengesa nyoka yangu, ndichaita sei kuma customers angu anoda kuzorapwa pachishandiswa nyoka iyi?” Anodaro achitaura.
Puseletso ‘Malepono’ Mathe anoyambira avo vari kurangana vamwe vachishandisa zita rake rekupedzisira rema gogo kuti vachavhiringidzwa hupenyu hwavo.
Akataura kuti pane mumwe munhu anobva kuMhlabuyalingana kwaKZN ari kushandisa pikicha yake.
Munhu uyu arikuzviita n’anga achishandisa zita romukadzi uyu kuudza vanhu kuti vaise R250 kana kutodarika muaccount yake uye achavatumira nyoka kuti dzivapfumise.
Malepona akati izvi zvaive zvichikanganisa bhizimusi rake sezvo kuine mamwe matsotsi arikushandisa zita rake.
Malepona, zita chairo Puseletso Mate mukadzi anemakore (31), anorapa vanhu akashama arimusvo chiberekerwo.
Malepona akatora nzvimbo yokuramba kubva kuna ambuya vake Mirriam Malepona Mate, avo vakashaya muna 2014 vaine makore makumi manomwe 70.
“Ndiri kuenderera mberi nenhaka yandakasiirwa nambuya vangu vaiita bhizinesi ravo nekuvimbika uye neniwo ndichaita saizvozvowo nokusingaperi.
– Daily Sun