
Vachangogadzwa nebato reZanu-PF kuva Commissioner weNational Peace and Reconciliation Commission (NPRC), VaObert Gutu voramba kuti vakajoina bato riri kutonga reZanu PF iri, hanzi-izvoni ndakangoti joinei zvishoma kuti ndimbogadzirisa zvinhu Munyika.
VaGutu vakaonekwa munaKurume vachitenderedzwa vachiratidzwa State House yose nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, avo vakazivisa kuti vaimbova mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T vasiya bato riri kutonga vajoina Zanu-PF.
Mushure mekunge Gutu asarudzwa kuve Commissioner weNPRC nguva pfupi yadarika, Zimbabwe Human Rights Association (ZimRights), nhengo yeNational Transitional Justice Working Group Zimbabwe (NTJWG), yakanyorera chikumbiro ichida kuti aimbova mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T arege kuva nhengo yeNPRC. sezvo chikamu 286 cheBumbiro reMitemo chinorambidza vatambi vezvematongerwo enyika kuva mukushanda seMakomishina eNPRC.
Dzikamai Bere, director weZimRights, uyo, akange ataura kuti musi waKurume 17, 2021, Gutu apinda muZanu PF pakati pekunakidzwa nekuratidzwa kuState House uko kwaakatambirwa nebato reZanu-PF rezvematongerwo enyika neMutungamiri wenyika vaMnangagwa,” gwaro reNJJWG rakaverengwa.
Bepa re (Sunday Mail), musi wa 21 Kurume rakaburitsa mashoko awa okuti Gutu ajoina Zanu PF, danho rokujoinha Zanu PF rakatsanangurwa rikajeka, asi nhasi uno Gutu ava kuzviramba.
ZimRights, inomirirwa neZimbabwe Human Rights NGO Forum, haisati yataura mafungiro ayo panyaya iyi.