
Vashandi vehurumende vasina kubayiwa jekiseni reCorona iye zvino vacharambidzwa kukwira mabhazi eZupco uyezve kudzingwa paPublic Service Commission (PSC) apo madhipatimendi ese ehurumende akaudzwa kuti aite kuti nzvimbo dzekushandira dzive ne 10% yevanhu sezvakaziviswa nehutungamiri hwava Emmerson Mnangagwa apo vakatarisira kuunza majekiseni akawanda.
Vashandi vehurumende vachange vasina kubayiwa jekiseni iri vachanyimwa mari ichapihwa vamwe vose yeCOVID-19 allowances, vanoona nezvebudiriro varikuti zvirikuitwa nehurumende izvi zvakangofanana nekumanikidza vashandi vehurumende kubayiwa.
Mune circular yomusi 19 July 2021, munyori wePublic Service Commission Jonathan Wutawunashe akati vashandi vehurumende vanofanirwa kupa humbowo hwekuti vakabayiwa jekiseni vasati vakwira mabhazi,” akadaro Wutawunashe.
“Nhengo chete dzine humbowo hwejekiseni re COVID-19 ndidzo dzinokwira mabhazi eZupco. Bhazi rimwechete richatenderwa kutakura vanhu 35 chete.
Wutawunashe akawedzera kuti: “Makurukota akaudzwa kuti adzikise huwandu hwevashandi vanouya kuzoshanda kubva pa40% kusvika pa10% kumatare ese, madhipatimendi nemaArhente kusara kwebazi rezveutano nekuchengetwa kwevana uye mabasa akakosha chete.
“VeMinisitari vanofanirwa kuita kuti pasava nevashandi vanogara pamba kwemazuva anopfuura makumi maviri nerimwe chete.” Mukuru weZimbabwe National Teachers Union, VaManuel Nyawo, vanoti murawo uyu wakatsauka kubva pachigaro chekutanga chehurumende, uye kutyora kodzero dzevanhu nebumbiro remutemo.
“Sei zvava kushandurwa kubva pakutanga apo iyo hurumende yakati haisi kuzomanikidza chero munhu kubayiwa,” akadaro Nyawo.
Munyori-mukuru weZimbabwe Teachers Association, VaGoodwill Taderera, vanotsinhira kuti sangano ravo ratambira gwaro iri.