
Mapurisa mudunhu reMidlands ari kuferefeta nyaya yekufungidzirwa kuti umwe mukomana akapondwa mushure mekunge mukomana ane makore gumi nemanomwe anonzi akabaya mumwe mukomana, ane makore gumi nemanomwe zvekare nebanga reokapi zvichitevera kusanzwisisana.
Mutauriri wemapurisa kudunhu iri, Inspector Emmanuel Mahoko nezuro vakatsigira chiitiko ichi, chakaitika kuGokwe neMugovera.
“Mapurisa eZimbabwe Republic Police ari kuferefeta nyaya yemhondi, apo mukomana ane makore gumi nemanomwe akawanikwa akafa pedyo nemusha weDumezweni padyo neNyaje Business Centre kuGokwe,” akadaro Mahoko.
“Mukomana akawanikwa aine ronda rekubaiwa kumusana.”
Mahoko akati nemusi wa28 August , Meli Mlilo, uyo akafa, aibva kunwa doro paNyaje Business Centre aine shamwari dzake.
Mlilo akatadza kunzwisisana nemusungwa, Leon Moyo, pamusoro penyaya isina kuziviswa.
Sekureva kwaMahoko, Moyo anonzi akaburitsa banga reokapi ndokubaya Mlilo kamwe chete kumusana.
Mlilo, achibuda ropa rakawanda, akadzokera kuNyaje Business Centre kunotsvaga rubatsiro, asi akadonha munzira ndokufa.
Mutumbi wemushakabvu wakawanikwa nemunhu aipfuura nepo.