
Murume ane makore makumi mana nerimwe ekuberekwa kuMount Darwin akafa mushure mekumwa doro rakawandisa (musombodhiya) zvisiri pamutemo muchitoro cheko nemusi weChina.
Hutano hwemushakabvu, Stanley Gomo wemusha weZindoga wakadzikira uye akafa achienda kuchipatara chemuno.
Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central Assistant Inspector Naison Dhliwayo vakatsinhira kuti Gomo akafa mushure mekunwa doro zvakanyanyisa.
“Shamwari yake Talent Chaurawa akaedza kupa rubatsiro akazoendesa shamwari yake kuchipatara, asi akafira munzira. Mutumbi wake uri kuchipatara cheMount Darwin wakamirira kuongororwa, ”akadaro Dhliwayo.