
Murume wechidiki ane makore makumi maviri nematatu okuberekwa uye ari mugari wemuBuluwayo akabayiwa nebanga akafa pavairwira mukadzi.
Mapurisa anoti chiitiko ichi chakaitika panaCorner Hebert Chitepo Street naMasotsha Avenue.
Mapurisa akuita tsvagurudzo yenyaya yehumhondi apo murume ane makore makumi maviri nematatu akabayiwa nebanga panaCorner Hebert Chitepo Street naMasotsha Avenue musi wa14 Nyamavhuvhu. Vaviri ava vanonzi vakarwira musikana ane makore makumi maviri nerimwe.
Mune chimwezve chiitiko muBulawayo,murume ane makore makumi maviri nematatu akawanika akafa musi wa14 Nyamavhuvhu iwowo.Aive akabayiwa zvakare maviri nebanga.