
Mumwe murume wekuGwanda anonzi akabaya ndokuuraya mumwe wake waainwa naye mushure mekusanzwisisana pamusoro pengowani.
Mutauriri wemapurisa anoshanda kuMatabeleland South Assistant Inspector Thabani Mkhwananzi vakatsinhira kuti vatevedzeri vemutemo vaiferefeta nyaya yaita Wellington Sithali (19) anonzi akabaya Nkosilathi Nare (21) pazvigaro mushure mekusanzwisisana kwakamuka pamusoro pekepi yakatorwa naNare zuva rapfuura.