
Mapurisa ekuMatabeleland North ari kuferefeta nyaya yehumhondi mushure mekunge mumwe murume wemunzvimbo yaSabhuku Siabuwa kuBinga anonzi akauraya mumwe wake zvichitevera kunetsana nokuda kwemombe.
Peter Siatobolo wemumusha weNtabuli anonzi akarova Tediuos Sibanda kaviri mumusoro nedanda zvikaita kuti afe.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North Inspector Glory Banda vakati: “Musi wa3 Chivabvu Sibanda, Siatobolo nevamwe vatatu vemumusha vanga vachichenesa munda waSibanda vachinwa hwahwa hwakagadzirwa kumba uye panguva iyoyo kusanzwisisana kwakamuka pakati paSibanda naSiatobolo pamusoro pemombe dzaichengetwa Sibanda. ”
Siatobolo anonzi akatora danda ndokurova Sibanda kaviri mumusoro.
Izvi zvakatungamira mukufa kwemurume uyu.