
Disaster kune mutungamiriri wenyika VaMnangagwa nhasi vaudzwa zvinovashaisa hope, “This Time Ndikuda Kukupedzera Ndikuda Kukurova First Round” chinodaro chikomana Nero.
VaMnagagwa vanoudzwa kuti, “Parker steady ndikuda kukugadzirira pension yako worarama hupenyu hunodakadza kwete kuti unoda kuramba uchidhonza gejo iwe wachembera kudai.”
Dai Mnangagwa asina kuti batsira kutibvisira ma-apple akora (Douglas Mwonzoro) ikozvino bato redu harisisina zvakaora, tinotenda vaMnangagwa makatora akaora chimbodyai iwayo.
Nhasi kuMkoba kwanga kuine chimoto. Chikomana changa chakaipirwa chichiita kukanda pfocho zvacho, nhasi chikomana chataura kudarika mamwe mazuva ose. Joiner Jolas WhatsApp Group +263787876754 uone zvanga zvichitaurwa nechikomana Nero.
Mukoma vangu vanoti Zimbabwe is open for business, open for business kudii imi muchiibira ungati ukugadzira nyika wobva wabira nyika yacho hapana zvauri kuita.
Makati mukuda zita rebato ndakakupai ini zvenguwo tsvuku handichada, mukati moda chanza chenyu garai nacho isu tava kufamba nechigunwe.
Zvizere zvataurwa nechikomana tere audio unzwe pfocho yaanga achikanda, kutotaura zvake asina matyira akashinga.