
Mumwe murume akafa mushure mokubayiwa nebanga nokuda kwemunyu.
Mapurisa akatsigira chiitiko ichi chakaitika kuSanyati.
Mapurisa ekuSanyati ari kutsvagurudza nyaya yeumwe murume ane makore 46 uyo akafira kuParirenyatwa Hospital auya musi wa15 july mushure mokubaiwa kumusana nobanga musi wa1 June pamusoro pemunyu, anodaro.
Mune imwezve nyaya kuRaffingora mapurisa ari kutsvagurudza nyaya yehumhondi iyo yakaitika paMvurachena Farm musi wa25 July apo umwe murume akatemwa kamwe mumusoro mushure mokutsiura varume vaiba chibage.