
Mudzimai wekuNyamandlovu kuMatabeleland North apoya mumaoko emapurisa ndokubva azviuraya, mushure mekunge mapurisa amuvharira nemhosva yekutsvaga varume vatatu ndokubva avatuma kuuraya murume wake ndokubva Murume wake aurayiwa nevarume ava masvondo maviri apfuura.
Sitshengiwe Moyo (42) veku Nyamandlovu anonzi akatsvaga varume vatatu vanoita zvegoridhe zvisiri pamutemo kuti vauraye murume wake, Arnold Moyo (31). Chiitiko ichi chinonzi chakaitika musi wa31 Chikunguru kumba kwavo kuHarrisvale plots munzvimbo yaChief Deli.
Mai Moyo vaive vambomhan’ara kuNyamandlovu Police Station kuti murume wavo akapondwa nevarume vatatu vakavashanyira kumba vasati vanyangarika.
Anonzi akaudza mapurisa kuti varume ava vaive shamwari dzemurume wake apo murume aive audza vanhu vemumusha zuva rimwe chete asati apondwa kuti ihama dzemukadzi wake.
Zvinonzi pakupera kwesvondo mapurisa akasunga varume vatatu kuBulawayo ndokubva vasheedza Amai Moyo kumapurisa neMuvhuro kuzobatsira mukuita tsvagiridzo dzavo.
Iye anonzi akamhan’ara kukamba yemapurisa uye panguva yekubvunzurudzwa, akerekana ava kukumbira ruregerero sezvo akange avakuzviona kuti Mapurisa ava nezvaanoziva nezvakaitika.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMatabeleland North, Inspector Glory Banda, vanoti mai Mai Moyo vabuda mukamba yemapurisa, ndokubva vanwa muchetura vakafa.
Mapurisa abva atevera kumba kunogara mukadzi uyu ndokumuwana akati rabada kutandadza neshonga waanwa.
Insp Banda vati varume vatatu ava vanoita zvekuchera goridhe zvisiri pamutemo vakasungwa nenyaya yekupondwa kwaVa Moyo.