
Murume ane makore 31 akasvetuka rufu, mumwe akakuvara zvakaomarara pavaifamba netruck ravaishandisa kufamba rakabvira moto mutyairi asingazvizive pa92-kilometre peg pedyo neHarare- Mukumbara road.
Spokesperson wekuMashonaland Central Assistant Inspector Naison Dliwayo vakati izvi zvakaitika musiwa August 9 na4 pm.
Mutyairi, Mutemeri Clarkson (67) wekuHatfield muHarare akazoziviswa nevamwe vatyairi kuti gonyeti rake raibvira moto.
Aifambira pedyo neHarare-Mukumbura road kuNorth, aive nevafambi vana vaive mu-truck.
“Achisvika pa92-kilometre peg akaidzwa nevamwe vatyairi kuti truck rake raibvira moto, Asst Inspector Dhliwayo vanodaro.“Mushure mukumisa truck vafambi vakasvetuka gonyeti ranga rakutsva rese.
“Mumwe aivemo Tinashe Kuhlande (31) aive akarara pakati peroad afa, mumwe West Nyambuya (34), akakuvara zvakaipisisa. Njodzi iyi yakataurwa kuBindura traffic vakaenda pakaitika izvi, Mutumbi wemufi nevakakuvara vakaendeswa kuBindura Hospital. Vese vanobva kuMilton Park muHarare.