
Muimbi achangoburwa wegospel akaputsa musha wake wemakore gumi mushure mokufambidzana nemurume anoita zvokuchinja mari zvisiri pamutemo.
Patience Muzambi,32 anozivikanwa saMinister Favour in Goshen City Church iri muChinhoyi anonzi ange ari murudo naRaphael Chinama anozivikanwa nokuchinja mari.
Kufambidzana uku kwakazivikanwa mushure mokunge murume waMuzambi,Lameck Jairos 31, aona mameseji uye maphoto evaviri ava munharembozha yemukadzi.
Muzambi took the matter to Chemagamba police base where she recovered her mobile phone that had been taken by Jairos.
Muzambi akaudza H Metro kuti Jairos ndiye aive atanga kumubiridzira uye aive atogadzirira kudambura muchato.Jairos anopomera mutungamiri wavo wekereke Apostle Takunda Sibanda anotadza kugadzirisa nyaya iyi sezvo Muzambi aive mushandi wavo.
“Muchato wangu waparara nokuda kwemutungamiri wekereke”,anodaro Jairos.Mukadzi wangu anoshandira Apostle Sibanda saSalesperson uye ndivo vari kubatsira mudzimai wangu kusimudzira zvokuimba zvaari kuita.Mukadzi wangu akambondichita imwe nguva asi vabereki vakazvigadzirisa.
Rwendo rwuno ndazvibatira ndoga pachena uye Apostle vanoda kuti ndiregerere mukadzi wangu.Vanodaro sezvo vari kutya kuti basa ravo rodzokera kumashure kana asisipo.