
Mudzimai wechidiki anogara mubhuku rekwaSika, kwaMambo Musana, kuBindura akasungwa nemapurisa eko achipomerwa kuviga mutumbi wemwana wake aive nemakore maviri okubereka ari oga sezvo paine fungidziro yekuti angangodaro akamuponda.
Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Naison Dhliwayo, vanoti Portia Chovani (32) ndiye akasungwa nenyaya yekufa kwemwanasikana wake ainzi Tariro Gondo, ndokumuviga ari oga.