
MURUME wekuVictoria Falls akarova munhu waasingazive akange akabata musana wemusikana wake pazere vanhu, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi mipfumbamwe nemhosva yekurova.
Panguva iyi anofungidzira kuti munhu akabata musikana wake aikumbira kudakurara naye.
Sibanda nemusikana wake – uyo asina kudomwa mudare – vaifamba nemugwagwa uri pakati peVictoria Falls apo vakasangana naMpofu, uyo akarova mukadzi uyu kumusana kwake.
Izvi zvakatsamwisa Sibanda akasvika pakurova Mhofu mbama kumeso kamwe, asati amurova nezvibhakera, pamuromo nepadumbu.
Sibanda akabvuma mhosva yake yekurova paakamira pamberi pemutongi weVictoria Falls, Muzvare Linda Dzvene. Vakabva vamupfigira mujeri kwemwedzi mipfumbamwe nemhosva iyi.
Vachitonga, VaAsher Chindedza vakati chiitiko ichi chakaitika musi waApril 4 nenguva dza1 manheru.
Akatsamwiswa nemaitiro aMpofu, Sibanda akarova Mpofu, achimupomera kushungurudza musikana wake.
“Musi waApril 4, 2021 nguva dza1: 00 manheru, Bornwell Sibanda aifamba-famba nemusikana.
“Izvi hazvina kuzadzika zvakanaka nemunhu akapomerwa uyo akatanga kurova mumhan’ari,” vakadaro VaChindedza.
Mpofu akakuvara akaendwa naye kuchipatara cheVictoria Falls uko akanorapwa.
Akazvimba ziso uye akazvimba muromo wezasi.
Sibanda akasungwa zvichitevera gwaro remapurisa.