
Chief Gutu vatonga kuti Josiah Madziva wekuMbirikira Village kuThornhill Farm kuti abhadhare mombe 5 mushure nemhosva yekutora mudzimai wemunhu. Madziva aiita chihure nemukadzi waDavid Mtizwa.
Zvinonzi mwedzi uno Madziva nemukadzi waMtizwa vakabatwa vachiita mutambo wavo pamusha paMtizwa. Vakawanikidzwa naDavid Mtizwa nemunin’ina wake Tanaka Mtizwa.
Pavakabatwa vaviri ava Madziva akati anga auya kuzotora mvura inoyera. Dare rakati Madziva akabatwa mushure mekunge David audzwa nemunin’ina wake kuti ndizvo zvaiitika pamba.
Chief Gutu vachipa mutongo wavo vanoti, Josiah Madziva aparadza wanano yevanhu vazhinji munharaunda uye anofanira kurangwa zvakanyanyisa nenyaya yekuita kwake kwakaipa.
Chief vakati humbowo hwavakapihwa hunoratidza kuti Madziva nemukadzi waMtizwa zvechokwadi vaiita chihure uye vatori nemwana vese.