
Mumwe murume anobva kudunhu reMatobo arikunzi akarwisa mudzimai wake kusvikira pakumuuraya, zvirikufungidzirwa kuti akashandisa petrol kumutungidza makumbo ake ndokumusiya akadaro ndokuzotakurwa nevamwe vanhu omhanyisirwa kuchipatara kunorapwa.
Muchiitiko ichi Mbukiso Moyo akazonorasa chitunha chomukadzi wake Sanele Sibanda mumunda mushure mekunge hama dzake ‘dzatanga kumubvunza nezvekwaaive.
Mukadzi wake Sibanda uyo anga ava nemakore (29) okuberekwa, akaburitswa muchipatara cheMaphisa District Hospital kubva musi wa3 Nyamavhuvhu 2021 pakazowanikwa chitunha chake chiri mumunda chakatoora pairatidza kuti akanga atova nevhiki afa.
Sekureva kwehama yepedyo yomushakabvu Sibanda, murume wavo Moyo uyo anemakore (40), mukuru wechechi yeSeventh Day Adventist (SDA), akamurova, akamupisa makumbo nezvidya ndokubva aregera kumuendesa kuchipatara. Sunday News