
Mwanakomana anogara mumusha wePumula North, kuBulawayo, anorova amai vake nyakumutumbura, achivatuka nezvinyadzi uye kuvadira pendi kumeso achida kuti vabve pamba yaanoti ndeyababa vake.
Kudakwashe Motsi anouya kumba akadhakwa nedoro mambakwedza apo anotanga kushungurudza amai vake, Eritha Midzi.
Dzimwe nguva anonzi anovadzipa pahuro uye achivarova nezvibhakera