
Mumwe musikana ane makore 24 okuberekwa wemumusha weLupaka kuLupane akarwisa mushandirwi wake netsvimbo yemudzimu, screwdriver nezvibhakera panguva yegakava remihoro.
Izvi zvakabuda apo Mthandazo Tshuma akamiswa pamberi pemutongi wedare reTsholotsho VaRegis Mawarire svondo rapfuura vachipomerwa mhosva yekurova.
Akabvuma mhosva yake ndokutongerwa kugara mujeri kwemwedzi makumi maviri nemina iyo mitatu yakabvisirwa makore mashanu akasara aine mwedzi makumi maviri nemumwe ari mujeri.
Vachimirira Hurumende, Muzvare Tarisai Mujokoro vakati nomusi wa24 Kukadzi nenguva dza8 mangwanani, Tshuma akatevera Kwazinkosi Ncube, mushandirwi wake, apo aishanyira baba vake.
Tshuma akamubata ndokumubvunzurudza nezvemuhoro waainge atambira weR1 000. Vakasvika pakusa nzwisisana, akamudhonza t-shirt ndokumurova kaviri nezvibhakera pahuma achibva adonha.
Akabva amurova nezvibhakera kakawanda kumeso uye kaviri kuruboshwe netsvimbo yemudzimu.
Tshuma akabva atora screwdriver ndokurova Ncube kamwe paziso rekuruboshwe achibva aita mavanga kumeso, ziso rekuruboshwe rakazvimba achibva aendeswa kuchipatara cheTsholotsho District Hospital.
Medical report yekurapwa kwaBoss vakarohwa kwakaburitswa mudare sechiratidziro chohumboo hwekuti vakarohwa.
— Sunday News