
Murume akafirwa nemudzimai ndokugara makore matatu asina kuroora anosangana nedambudziko guru mushure mekuroora mudzimai wake mutsva waarikugara naye uyo waave negore achigara naye.
Nhau yakatangira pakuda kuroora mudzimai uyu hanzvadzi dzacho dzichiramba dzichiti haaroorwe asi mukadzi wacho ndokuti kumurume wake amupe mari yacho yeroora iye pachake murume ndokupa mukadzi wake US$ 1500.
Zvadaro vakarara vese mukadzi ndokubatira pamuviri, apa ndipo pavakapedzisira kuita bonde vese. Kubvira pakazvarwa mwana murume akazama kurara nemudzimai wake katatu asi aizopatika akarara nembwa.
Murume uyu aiti akakumbira mudzimai wake bonde aiudzwa kuti ndakaneta ipapo obva abatwa nehope otanga kudzungaira arikuhope achibuda panze apo imbwa inobva yamhanya kunorara pamberi pake oita bonde nayo, kana achinge arasa mbeu obva apatika mudzimai wake achimuvhurira dhoo achiti maitabasa nebonde ndaguta chipindai mumba tirare.
Hazvina kugumira ipapo nhau yakatozokora muto uye iyezvino murume uyu avepedyo nekuuraiwa kana kupengeswa nemudzimai wake anove mukadzi wezvikwambo. Inzwa full audio yakandwa muJolas News WhatsApp Group kuti uzive zvirikuitika parizvino.
By MMWesley
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?