
MURUME ane makore 40 okuberekwa wemumusha weNyandeni kwaSabhuku Mathema kuGwanda North, mudunhu reMatabeleland South, akasungwa nemhosva yekuponda mudzimai wake mwedzi wapera vachipopotedzana nenyaya yekushandisa 300 Rand yavaive vawana mukutengesa zvavanorima papurazi ravo.
Mutauriri wemapurisa mudunhu, Assistant Inspector Thandolwenkosi Moyo, vanotsinhira nyaya iyi vachiti nyakupomerwa, Fedwell Moyo nemudzimai wake Nomathemba Msipha vanonzi vakaenda kuVumbachikwe Mine kunotengesa zvinhu zvavo vakawana R300.
“Nyakupomerwa nemufi vakabva pamba pavo vachienda kuVumbachikwe Mine kuti vanotengesa zvirimwa zvavo zvepapurazi ravo vakawana mari inosvika R300,” vanodaro.
“Pavakasvika pamba vakanetsana nekuda kwemashandisirwo akaitwa mari.”
Anoti pakunetsana uku, Moyo anonzi akanhonga danda ndokutanga kurova mudzimai wake makumbo nemumusoro.
“Akabva aziva kuti mudzimai wake akanga ava kufemereka uye akakurumidza kuviga chitunha mumunda waiva pedyo.”
Svondo rapfuura mapurisa akawana ruzivo kubva kune mumwe wevavakidzani ndokukurumidza kuita ongororo, zvikazoita kuti munhu ari kupomerwa asungwe uye kutorwa kwemutumbi wemushakabvu.
Moyo ari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare musi weMuvhuro achipomerwa mhosva yekuponda.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?