
Mumwe mudzimai wekuChitungwiza akarasikirwa nemidziyo yake yose nemari kune umwe anozviti muporofita panguva yekushandirwa kuZengeza musi weSvondo.
Lolleen Nengomasha, 42, akazvidemba zvikurusa kukoka muporofita uyu anonzi Madzibaba Tatenda kumba kwake kuti azonamatirwe nokuda kwokutemwa zvakaomarara nemusoro.
Nengomasha anoti madzibaba ava vakavadhakwisa vakarara nemwana wavo vachibva vavabira zvinhu zvose mumba.
Nengomasha akaripota nyaya iyi pachikamu CR245/7/21 kuSt Mary’s Police Sation uye Madzibaba ava havasati vawanikwa.
Madzibaba TAtenda vakaba magumbeze, hembe nezvimwewo zvakadaro tisingasiye mari inokosha USD$300.
Ndakarwadziwa nemusoro zvisingaite pazuva iri, anodaro Nengomasha. Ndinoda kuziva kuti madzibaba ava vakawanepi nhamba dzefoni dzangu vakandifonera vachitaura ruponeso.
Madzibaba vakakumbira nhamba yepamba kuti vauye kuzondinamatira. Vakauya kuma6 zuva rodoka nedota repazambara.
Rakazanganiswa nezvimwe zvaive neruvara rweblue tikanzi tinwe ini nomwana wangu.Ndakatanga kunzwa hope nekuperezeka ndikarara ipapo uye ndakazomuka mangwana.
Ndipo pandakatoona kuti imba yaive isisina chinhu zvekutakura nenyama yaive mufridge chaiyo.
Izvozvi mudumbu mangu muri kurwadza nokuda kwezvandakanwiswa. Vavakidzani vangu vakati Madzibaba ava vakange vane nguva vachizviita.
Dota rakasara ritoripo netunhu tweblue mukati maro, anodaro Nengomasha.