
MURUME ane makore 32 okuberekwa KwaZulu-Natal akasungwa nemhosva yekuponda mwana ane gore uyo waanonzi akaita zvekubaya nebanga kakawanda asati abayawo amai vake.
Mutauriri wemapurisa Lt-Col Nqobile Gwala vakati chiitiko ichi chakaitika munzvimbo yeMpumelelweni kuchamhembe kwedunhu iri, “Zvinonzi mwana uyu akabaiwa nebanga kakawanda. Murume uyu akabayawo amai vake nebanga vakakuvara.”
Gwala akati mapurisa ari kuferefeta nyaya idzi, yekuuraya neyekurova vanhu vachikuvara zvakaipisisa.
Gurukota rezvekusimudzirwa kwemagariro evanhu, Amai Nonhlanhla Khoza, vakatumira vashandi vezvemagariro evanhu kuti vabatsire mhuri iyi padambudziko iri.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?