
Mumwe murume ane makore makumi matatu nemana okuberekwa akafira kuchipatara cheChitungwiza General Hospital mushure mekunge arohwa zvakaomarara nemhomho yevanhu paOverspill Shopping Centre achinzi ainge aba gas cylinder musi weChitatu.
Taurai Murungweni akasangana nemumwe Tatenda uyo aimupomera mhosva yekuba gas cylinder.
Vamwe vanhu vakabatana naye pakumurova.
Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vanotsinhira nyaya iyi ndokukumbira vanhu kuti vasaite mhirizhonga kugadzirisa makakatanwa.
“Mapurisa ari kuferefeta nyaya yehumhondi apo mumwe murume wekuEpworth akarohwa achibva afa asvika kuChitungwiza General Hospital,” vanodaro Insp Chakanza.
“Zvinonzi mushakabvu uyu akaba gas cylinder remumwe anonzi Tatenda.
“Pakusangana nemufi kuOverspill Shopping Centre kuma11 mangwanani, Tatenda akamupumha humbavha ndokubva vatanga kunetsana.
“Mhomho yevanhu yakaungana ikamurova ndokumusiya akuvara mumusoro uye kubuda ropa mumhuno.
“Tatenda akaendesa mushakabvu kwaaigara ndokumusiya achichengetwa nemukoma wake.
“Mukoma uyu akaendesa mushakabvu uyu kumapurisa eSunway City uko akaendeswa kuchipatara cheChitungwiza General Hospital uko akazofa asvika.
“Mutumbi wake wakazoendeswa kumochari yeChitungwiza General Hospital uchimirira kuongororwa,” vanodaro Insp Chakanza.
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?