
Vasungwa vaviri avo vange vachipika jere paKhami Maximum prison vaendeswa kumadzitare edzimhosva mushure mokudashura shure yeumwe musungwa uyo akabuda maronda.
Panguva iyo musungwa ane makore 38 aive akarara mukamuri yake,Culture Sibanda anopinda mugumbeze akatanga kubata bata murume uyu machende ake uye achipuruzira sinhi
rake pazvidya.
Murume uyu anoedza kupushidzira Culture kure,asi anotyisidzira kudambura machende ake akaramba kudashurwa sinhi neshure,dare rakanzwa.
Nokutya kukuvadzwa,Culture anodashura murume uyu zvehutsinye uye anomuyambira kusaudza chero ani zvake.
Zuva rinotevera umwezve musungwa anodashura zvakare murume uyu neshure achimutyisidzira kumuuraya kana akaramba.Anomanikidzwa kufongora odashurwa zvakare shure.
Papera mazuva maviri,musungwa anotanga kunzwa kurwadziwa shure yake.Anotarisa muchemba oona kuti aive aita puu ine ropa.
Akaripota nyaya iyi kuprison kuna officer Godwin Mahlathini uyo akaenda naye kukamba yemapurisa.
Thulani naCulture vakabva vatosungwa zvakare vachipomerwa mhosva yesodomy.