
Vagari vepapurazi reRasper kana kuti Parklanes Shade 2 riri kuPorta, kuNorton svondo rapera vakasara vasina neremuromo zvichitevera nyaya yemurume weko uyo akawanikwa aine weti mumba make yaidarika marita 60 yakaiswa muzvigumbu nemumabhodhoro.
Anonzi aiti weti iyi ndeyake iyo akaiita kwemakore anodarika mashanu achiichengeta.
VaTawanda Venty (41) vanotsinhira nyaya iyi vachiti semunhu anonwa doro, vanopota vachiitira weti muzvigubhu vasingade kubuda panze husiku. “Ichokwadi, vanhu vakawana weti iri mumba mangu muzvigubhu mushure mekunge ndanetsana nemumwe munhu wandiri kuchengeta kumba kwangu, ndiye akazviona achibva audza vamwe vanhu. Asi zvekuti ndakagara nayo kwemakore kunyepa, ndeyandakaita mumasvondo mashoma bedzi. Zvigubhu izvi ndizvo chamber dzangu,” vanodaro VaVenty.