
MURUME wekuNyanga akasungwa mushure mukunge auraya mai vake.
Mumiriri wemapurisa kudunhu reManicaland Inspector Luxon Chananda vanozivisa kuuraiwa uku.
Chananda akati mapurisa ari kuferefeta kuuraiwa kwaGladys Mupiwa (62) nemwanakomana wake, Andrew Mupiwa (32) kwaTsatse mudunhu raSabhuku Tangwena musi wa10 Nyamavhuvhu.
Mukoma waAndrew anoitwa iye Taona anonzi akaona Andrew achienda naamai vavo mumba.
Nguva diki diki, akaona munin’ina wake achibuda mumba nedanda rakazara ropa.
Anoti vakapaza door remba makanga maiswa Gladys Mupiwa ndokumuwana afa.
Achiona mashura aya, Taona akabatana nedzimwe hama dzake vakaenda kunomhan’ara nyaya iyi kumapurisa, Andrew ndokusungwa.