
Mumwe murume ane mukurumbira kwaMutoko anonzi akabatwa achiita bonde nemombe yaamai vake kaviri mudanga. William Mazhindu (23) ari kupomerwa mhosva yekurara nemhuka uye ari kutarisirwa kuendeswa kudare munguva pfupi iri kutevera.
Mapepa ehurumende anoti pane imwe nguva muna Chikunguru gore rakapera Mazhindu akabatwa naamai vake Spiwe Mazhindu (63) achiita bonde nemombe yavo.
Akabatwa zvakare nomusi wa28 Kukadzi husiku achiita bonde nemombe imwe chete iyi.
Zvinoshamisa kuti vabereki vaMazhindu vakamboripa muvakidzani wavo nekuda kwenyaya imwechete.
Hona Shura Riri Pano
Unotiwo Kudii Nenyaya Iyi?