
Evelyn Mugiyo anoshungurudza John Machivenyika wekwaMutare izvo zvinoita kuti John aenda kuMutare Civil Courts achitsvaga peace order.
Mugiyo akabhadhara varume vatatu kuti varwise pamwe nekushungurudza Machiwenyika kuti abvume kuti ndiye muridzi wenhumbu yaakange akatakura.
Dare rakanzwa kuti Machivenyika naMugiyo vakadanana kwemwedzi miviri uye vakarambana gore rapfuura mushure mekunge Mugiyo ati John aisamugutsa pabonde.
Akanga ava kudanana nemumwe mukomana uyo waigara naye kupurazi kunzvimbo inonzi Old Mutare. Machivenyika akaroora mumwe mukadzi. Nekudaro, Mugiyo akaenda kuna Machivenyika achiti nhumbu yake.