
MURUME anoita zvokurodza mapanga uyo akabata chibharo nekubira vakadzi vakawanda muHarare akamiswa pamberi pematare nezuro. Bessam Mahosi alias Kudzanai Gwaze Ambewe (37) akamira pamberi pemutongi wedare, Dennis Mangosi, achipomerwa mhosva dzekubata chibharo nekuba.
Mahosi arikutarisanawo nenyaya dzinyowani dzokuba uye kubata chibharo nyaya dzake dzimwe dzisati dzapera.
Murume uyu akambosungwa akavharirwa muchitokisi ndokuzoburitswa zvichinzi mhosva dzake dzichazotongwa achibva kumba, asvika kumba akabva atanga-zve kutsemura vanasikana vevanhu bhinzi renharo. Parizvino ambovharirwa muchitokisi akamirira kumiswa pamberi pematare zvakare kuti apindure mhosva dzake nyowani dzaakapara.
Akaiswa muchitokisi kusvika musi 3 Nyamavhuvhu pamhosva 6 dzekubata dzekubata chibharo nedzekuba.
Zvinonzi musi wa20 April gore rapfuura, nenguva dza3 masikati,munzira inobatanidza Kuwadzana 4 uye Crowborough North Phase 2, Harare, Mahosi akarova mukadzi asina kudomwa nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.
Akadhonza bvudzi rake, achida kuti amuudze zvaive mubag rake. Akatora bag nechisimba,akatora USD$60 uye phone kubva mubag rake asati amubata chibharo.
KuNorton, Mahosi akabata chibharo mumwe mukadzi uye akashandisa EcoCash yemukadzi uyu. Izvi zvakaita kuti Mahosi asungwe,mari yose yakabiwa yaive $ 1 760 uye $ 1 020 yakawanikwa.
Musi wa16 April, akabatawo chibharo mumwe munhu munzira yekuKuwadzana 4 padyo neCrowborough North. Akamudzipa achumumanikidza kuti amupe zvinhu zvake zvese.
Akarasikirwa necard rake reNMB reZupco, magirazi ake emaziso nephone . Akabatwa chibharo yekedero pasina putiro.
Akabatawo chibharo mwana ane makore 12 asina kudzivirirwa panzvimbo imwechete muKuwadzana musi wa10 April, achimutyisidzira kuti asadaidzire.
Akasunungura musikana mushure mekuvhiringidzwa nemombe dzaipfura.
Amai vemusikana vakamuperekedza kunomhan’ara kumapurisa, zvakaita Mahosi asungwe. Vamwe vakabatwa chibharo vakamuziva pachiono.
Asati asungwa, musi wa22 Kubvumbi , Mahosi akabata chibharo mumwe musikana ane makore 14 muCrowborough North Phase 3