
Rev Edmond Zambe Samutereko veAnglican Church Diocese kuManicaland stands varikupomerwa mhosva yekurara naMaria Chasiyeni Mwandirozva wekuPalmerstone kwaMutare kwaaita attachement yake.
Zvavaivanza zvakabuda mushure mekunge mukomana waMwandirozva aona tsamba dzinyorwa murunhare make, Rev achitenda kuti aive anakirwa nebonde.
Hokoyo aida kuroora Mwandirozva akatsamwa paakaona mamessages ekuti arikuita basa rekurara nevakuru vekereke.
“Ndinoitwa Farai Hokoyo, ndirikumhan’arira Rev Samutereko veAnglican church Diocese kuManicaland.
”Ndiri murume aifanira kiroora Maria Chasiyeni Mwandirozva anogara ku29 Jongwe Street, Palmerstone kwaMutare.
“Aive paattachment yediocesan office(accounts department) kubva gore rakapera (2020) kusvika gore rino (2021).
“Reverand Baba Samutereko vakachaira nhare kune musikana wangu vachiti vanoda kuperekedzwa kuma residential stand yavo iriku Penhalonga, akabvumirana nezvainge zvataurwa naShepherd.
Vakasvika vakapinda mumba, vakakumbira kuti Maria avakwenye kumusana nekuita bonde, vakati vanozomupa basa.
Muzuva raitevera Hokoyo akaita kuti Mwandirozva aende kunomuona kwaanogara kuChiredzi.
“Taifanira kuenda kunofara nekunomuratidza vabereki vangu kumusha kwedu.
“Ndipo pandakaona mamessages munhare rwake, zvichisanganisira kurara kwaakaita naMufundisi.
“Pandakabvunza Maria akati vakambondi konza kare ndikavaramba.
“Pane nzendo dzakati wandei aipota achimupa zvido pakufamba kwesangano (nzendo dzebhizinesi). Paakashanyira mamwe mapurojekiti eAnglican senge kunoitwa nguruve, aimupa nyama.
“Saka ndiri kukwidza nyaya iyi kuhofisi yenyu yepamusoro seChechi kuti mubate mabasa akaipa, emadhimoni neasatani aRev Samutereko.
“Ndinoda apiwa mutongo wakanyanya nekuti haafanira kubatsira vanasikana nenzira yakadayi.
“Ndine humbowo hwezvakaitwa naRev, Hokoyo anodaro.
Manicaland Anglican Diocese bishop Erick Ruwona vakati takuita tsvakurudzo yenyaya iyi.
“Takagamuchira nyaya uye timu yangu iri kuongorora nyaya iyi,” akadaro Rt Rev Ruwona.
Rev Samutereko havana kukwanisa kusimbisa kana kuramba mhosva idzi vachinongedzera H-Metro kumutauriri wechechi Ashel Mutungura.