
America yazivisa kuti ichange ichiisa zvimwe zvirango kuRussia kuti Putin amise Hondo. Zvirango izvi zvicharova hama dzemutauriri wamutungamiriri wenyika yeRussia VaPutin VaViktor Vekselberg.
Kunyangwe America yakaisa zvirango munyika yeRussia kuti oiri yemo yirege kutengwa nedzimwe nyika, Russia haina kurega kurwisa muUkraine. Nokudaro America yauya nezvimwe zvirango zvakare. Uye zvirango izvi zvichabatawo vamwe vanhu gumi avo vasina kuziviswa namazita asi vari mubhodhi reVTB bank uye vamwe 12 veDuma.